Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part 3]

Kana waita nhamo mumba chinhu chakanaka kugadzirisa nhamo yako nomukadzi/murume wako nguva ichipo. hwisisanai pakutaura mumba menyu pauviri hwenyu. Zvese zvaunoda kuudza wekuzhe uyu udza murume/mukadi wako. Mapadza varaidzanai nekurhojana mugovata hope dzakanaka. Mangwana nderimwewo zuva rine zvarakakurongerai. Pamwe nhamo yenyu inoita shoma.

Gadzirisa nyaya dzako paunotangira kudziona kuti dzaita nyaya. Kana uchida mukadzi/murume wako, kana uchida muchato wako, kana uchida mhuri yako, ronga nezvemari yomumba naye.

Makore ekuroorana
Muno mu UK average yemuchato makore mapfumbamwekusvika pamakore gumi nerimwe. Zvinonzi matambudziko anorambanisa vanhu anotangira pamakore mashanu uye vanhu vane matambudziko awa panguva imwe neimwe vanosvika 40% yevanhu vakaroorana. Zvinohizve kana ukakwanisa kupfuura makore 14 wakaroorana noumwe, munenge mayambuka panogozha.

Izvozvi tiri kutaura nyaya ino, pane vakawanda vanhu verudzi gwedu vari panyaya dzakavagozhera mudzimba dzavo. Vamwe vavo vachitadza kudzigadzirisa vagopedzisira varambana. Asi Ukatarisa nyaya dzavo padzakatangira uchaona kuti dai vakadzigadzirisa kare dzaigadzirika uye dzange dziri dikidiki.

Saka pano tiri kuti mari inonetsa chose mumwedzi inoti December, January, February, asi kana mukaronga nyaya yenyu mese pamwe chete, mukawirirana, hapana anozokwanisa kupopotera umwe kuti atadza ichi kana icho. Munotokwanisa kuunganidza ruzivo pakubhadhara zvikwereti zvenyu. Kana tsamba ukabva kuBANK ichikuudzai kuti matadza kubhadhara uye masara nemazuva manomwe, munoronga mese zvokuita nayo. Mukawana mukana wekukwereta kubva kushamwari kana hama, mese menge muchiziva zviri kuitika.
Kuyeuka Bako Wanaiwa [Part 3]
Munhu wawakaroorana naye
Dambudziko ratinaro muvanhu vekumusha vari mune dzimwe nyika nderokuti vamwe vavo vakarorana nevanhu vemamwe marudzi vane maitire akasiyana needu. Tito wakaroorana nomunhu wekuKenya kana Nigeria kana England, kuhwisisa kwake panyaya dzezvikwereti kwakangofanana nekwedu. Kupopota kwake kwakafanana, Kutyiswa nenyaya dzinodzingisa pamba kwakafanana. Chingasiyana kuhwisisa zviri kuitika kumusha uye kuti mari yokuzama kuzvigadzirisa inobvepi. Kana iye ane nhamo dzakewo kumusha kwake anenge achidhonzerawo kwake zvinokwanisa kuwedzera kupopotedzana.

Chikuru kugarohwisisa mamirire akaita musha wako kuti kana uchitaura noumwe wako utaure uchiziva kuti zvinowedzera nhamo ndezvipi.

Kuvaraidzwa nechombo/chitubu chinhu chakanaka chose asi ngazviitwe pauviri hwenyu mumba menyu, kwete kunotsvaka umwe munhu wekuzhe. Kana ukaona murume/mukadzi wako asingakutereri, kana kukuhwisisa, tsvaka hama, mufundhisi, munhu achembera, kuti akuyananisei, kwete kunoudza umwe munhu anokwanisa kukuhurisa. Kana pasina wekuudza akakodzera, Nyorera umwe wako tsamba averenge ari ega.

Kna umwe wako akuudza zviri pamoyo pake kana kuti akupopotera nenyaya yamuri mese, zama kuzvibvunza kuti zvaita sei, ugozvipindura wega kusvika hwahwisisa kuti zvaita sei. Kana watadza kuhwisisa, kumbira nguva yokutaurirana. Pakutaurirana tanga nkuudza umwe wako kuti unomuda asi unoda kuti nyaya igadziriswe. Muudzezve kuti unoda kutaurirana kwete kupopoterana.

Musadherera nyaya dzemari kudziita dzisina maturo mumba. inyaya dzinotokwanisa kukuparadzanisai zvikusvika pakuvengana chose imi mange muchimbodanana. Kana mari ikaita shoma mukasashandira pamwe chete, munokasira kupokana mopedzisira pasisina ane hanya noumwe.

Kuti uchizoyeuka kuti wako wekumba anodawo bonde rauri kupa kumunhu wekunze, uchaona kuti mumba zvinokunetsa nokuti chasiyana inzeve dzokuterera nadzo. Dai wekumba aitawo nzeve akaterera nhamo yako dai iwe usina kuzoda uyu wawava kuudza nhamo dziya.

Kuzo svirana nouyu umwe zvabva paku nzwisisana pakutaura chete, asi iye achati waka pusa saka vanhu dzidzayi kutaurirana nekoterera mumwe wako.

Tosanga zvekare naTete MaNyati muzvikamu zvino tevera zvekumisa Dzimba ndatenda.
Adverts Here

avatar
Nyaya DzepaBonde Online
Do You Want To Learn Swedish Massage, Deep Tissue Massage, Nuru Massage, Back Massage ... etc.

We are OPEN: Bookings Can Me Made via WhatsApp 24/7 From Widget. Please Leave Your Message Below:
Nyaya DzepaBonde Team
Chat with WhatsApp