Pandakatiza Bradley ndamuruma ndakasvika kumba ndikazvikiira. Ndaitya ndichiti pamwe anganditevera akazondibamura sezvaaive aita Manu.
Written by TSHIYIWE (Meme)GONDONGWE
Ndakatozovhura door ndanzwa mainini vachideedzera. Vakatobvunzawo kuti zvaive zvaita sei kuzowanikwa ndizvikiire asi ndakavanyepera kuti ndaitya Manu. Ndakatanga hangu kufunga zvaive zvapotsa zvaitwa naBradley ndikati nechemumoyo mukomana uyu anoda kundijairira.
Takabika sadza chete mainini vakanga vauya nenyama yakagochwa hanzi ndaitenga kumagirosa ummm ndakazviruma nekunakirwa. Ini semunhu aive akatojaira kuti handirare ndisina kuita homework ndakasumuka ndikaenda kunoita basa rangu rechikoro. Mainini vakasara vachisuka nekurongedza mumba.
Ndakazonzwa mainini vondisheedza vachiti foni yangu yairira. Ndaive ndatozviudza kuti Bradley akafona nhasi handidairi asi apa paive pasisaiti kuignorer nokuti mainini vaitondiforcer. Ndainyanyotya kuparadzana kwataive taita naBradley uyo akandisundidzira zvaive zvisina kana tsitsi mukati. Ndakazotsvaira foni iya ndokuisa panzeve ndikanzwa "hie chimama wasara boo here?" Ndakangoti ee kurisei? "Ummm shaa ungangoti ee chete waregerei kuti eee daddy asi hausi kundifunga".
![]() |
Game of Love |
Ndakati mukomana haafungi uyu chokwadi nemarumire andaive ndamuita ndaitotarisira kunzi zvavharana. Manje ini ndaitya nekuti ndaive ndanzwa vana Saru neshamwari dzake vachiti ukangorambiwa nemukomana unenge wasiirwa munyama. Ini ndaitoda kuti Bradley adzoke ndigomuramba ndiri ini. Mainini vakazviona kuti ndaishaiwa zvekutaura vakandizevezera vachiti enda panze. Takazotaura hedu achingoti mama vangu this mama that ndakatoona kuti naamai vake vaiwirirana zvekuti. Iye kana kumbotaura zvekumuruma kwandakaita ndakangoti nechemumoyo zvavharana nembama yawarova Manu.
Bradley aibhowa kuti akatanga kutaura pafoni aisada kubvapo apa ini ndinenge ndichingonzi ndiudze nyaya. Seipapa ndozvaaingoita nhai ndodziwanepi ini. Ndikangoti handina nyaya iye ototanga kuti "handiti haudi zvandinofarira here izvezvi waidei uchingoti daddy Bradley your kiss was sweet. ZvaBradley zvaitevedzerwa here akambouya achikumbira kiss iyoyi ,nhasi oti yave sweet which type of sweets saka mabubblegum here madandy maybe zviya zvisina kupfeka zvataiti zvimburu kana aya anovava eflue. Hamheno kuti anonzi chii asi ndakambomapiwa namainini ndakatsvetera voice neflue.
Akazokata foni yake late atoona kuti ndiri kutaura ndega nokuti dzimwe nguva aitobvunza kuti uchiripo here kana kuti wakata foni. Ini ndaingoti ee ndotonyarara, ipapa ndaingodaro hangu asi ndainzwa kunakirwa nevoice rake especially ndikazofunga the way yaaipronuncer pekuti Daddy Bee umm hana yairoverera.
Kuseni ndaisaenda zvangu kuchikoro because maA'level nemaO'level vaive vatotanga kunyora saka weekend vaiuya kuzoverenga. Isu taityirwa kuti taizovaitira noise. Takamuka tikabatsirana mabasa epamba namainini ini ndaitsvaira chivanze ivo vachidzudzura mumba nendove. Vakazopedza ndokudya chimunya chaivemo vachiti vaive vanonoka kumusika. Ndichangotanga kuwacha ndakaona Sarue uyo achiuya kumba ndikangoti kwakanaka here regai tinzwe kuti mhesisi inodei. Akasvika tikamhorosana ndikamupa chisaga akagara.
Kuseni ndaisaenda zvangu kuchikoro because maA'level nemaO'level vaive vatotanga kunyora saka weekend vaiuya kuzoverenga. Isu taityirwa kuti taizovaitira noise. Takamuka tikabatsirana mabasa epamba namainini ini ndaitsvaira chivanze ivo vachidzudzura mumba nendove. Vakazopedza ndokudya chimunya chaivemo vachiti vaive vanonoka kumusika. Ndichangotanga kuwacha ndakaona Sarue uyo achiuya kumba ndikangoti kwakanaka here regai tinzwe kuti mhesisi inodei. Akasvika tikamhorosana ndikamupa chisaga akagara.
Nhaimi vamwe vanhu vanopenga Saru aive akundibvunza nezvaBryan hanzi "nhai Retso ko Bryan anoita nezvei? Chii chana Bradley uye unoona sekuti anemari here uya?" Ndakamutarisa hangu ndikati ndimudire pfocho ndakamunzwira tsitsi dzekurohwa kwaakaita naManu ndikazoti ummm Saru izvozvo zvotoda iye bec ini ndichakuudza kuti musoja iye pamwe ndiDoctor hauoni kuti ndenge ndakunyepera. Zvemari yake hake shaaa handisati ndamboichengeteswa handisi bank rake ini. Ndakamupindura zvinonzwisisika zvaive zvakachena asi iye akatoti ndamutuka aaa hamhenowo hake munhu wepi asingadi kuudzwa chokwadi.
Akasumuka akaoneka ndikangoti iriboo. Pasina nguva foni yangu yakaringer aive Angela akangoti ndandichida kunzwa kuti mupfana wangu amuka sei. Takambozoseka seka achindiudza kuti "Bradley aiti wakamuruma shaa usadaro." Ndakamuti anonyepa handina kumbomuruma ini asi iye akasiya arova Manu i think vairwira Saru ndaive ndakuwanza hangu handiti chokwadi ndaichiziva hangu.
Ndakazotanga kusarudza hembe dzandaive ndanzi namainini ndipise amwe aive madhende. Ndakasanganidzana nekamwe kaskirt kandaive ndapiwa nasisi vangu vachiti dhara ravo rakaramba kuti vakapfeke. Kaive keblack kane vent pagumbo rekwaleft. Vent yacho yainogumira pakati pechidya chaipo apa icho chaisasvika kumabvi. Ndakachitora ndikachipima ndikati kana ichi ndichanochipa munin'ina wangu kwaChakonda handingambopfeki mini yakadai. Ndakazovarairwa ndakakapfeka chero pandakanogeza ndakangozopfeka katop kepink kaive kane tuoko twakaita tutambo chete.
Ndakazotanga kusarudza hembe dzandaive ndanzi namainini ndipise amwe aive madhende. Ndakasanganidzana nekamwe kaskirt kandaive ndapiwa nasisi vangu vachiti dhara ravo rakaramba kuti vakapfeke. Kaive keblack kane vent pagumbo rekwaleft. Vent yacho yainogumira pakati pechidya chaipo apa icho chaisasvika kumabvi. Ndakachitora ndikachipima ndikati kana ichi ndichanochipa munin'ina wangu kwaChakonda handingambopfeki mini yakadai. Ndakazovarairwa ndakakapfeka chero pandakanogeza ndakangozopfeka katop kepink kaive kane tuoko twakaita tutambo chete.
Mainini vaigara vachikati kasphaget kahembe kangu ikako ko kaitove ka *label* zve (spaghetti). Ndakazotanga ironing apa ndichiimbirira nziyo dzaiimbiwa last week yacho kuchechi. Ndakavhunduka ndichiona Bradley achipinda mukitchen mandaive ndakatopfugama ndichiironer. Chiskirt chiya chaive chakakwinyika chichisiya zvidya zvese panze. Ndakamhanya kuseri kwedoor ndokunotora zambiya ndokumonera nemuno mumazamu umu. Manje tuzamu twangu twaive tuya twavanoti tugara mbabvu twaisabata zambiya raitotsvedza haro.
Akatanga kungotaura tusina maturo hanzi building material achireva ini nhai. Ndakamubvunza kuti aidei pamba pedu sei akauya asina kufona asi apa akandidirawo rough hanzi "unonditi ndiuye ndafona ko pandinodzokera ndinofona here ". Akanditambidza mazai aaive akabata, ndichingotendeuka akandijumha ndokundibata nemuchiuno umu hanzi ndoda kiss. Ini apa ndaisakwanisa kunyatsorwisa nokuti ndaive ndakabata mazai. Pandakanzwa muromo wake wasvika pane wangu ndakati nhasi ndotsiviwa kuruma kwandakamuita nezuro. Ndakakanda mazai aye pasi akati warara.
Hamheno chinhu chaive chakundibaya kuno kumasure uku. Mumoyo mangu ndakangoti mwana uyu anofamba nepfuti nhai nekuti pakambourawa munhu pamagirosa pedu mapurisa akauya akabairira pfuti pamabhande ematrouse avo tikatodziona isu. Bradley aive anditsikirira paari zvine simba better ndaive ndakanga ndakatarisa mberi dai ndaive ndakatarisa kwaari ndairwadziwa nemazamu apa aifemereka kuita semunhu anga achimhanya. Ndakanzwa muromo wangu wakuzadzwa mate ndikati finish ndigorumwa muromo here vanhu vanoti kudi apa pane vamwe mai vakarumwa ukaita mapiece maviri kumaraini kwedu vachirwira murume.
Ndakaita sendinokotamisa musoroso pandakaudzosa kubva pasi ndakanyatsonzwa kuti guu zvine simba. Ndakanzwa kuti "mama kani Revai wandikuvadza". Akandiregedza ini ndokumhanya ndichitsika nepamusoro pemazai aya aingoerera nemba. Ndakanomira mberi kwaive nemigomo ndichitsvaka pekutiza napo kuti ndiende panze. Bradley aingoyuwira akamira kudhuze nekumusuwo apa akabata muromo wake neruoko rwekwaright.
Rekwaleft aive akabata pashort pake sezvataiona vamwe vakomana vachifamba vakaita kuchikoro uku vakabata nechepazip pavo. Ndakatoti heya kastyle aka ndeke kuHarare kanoteedzerwa paWadzanai pedu apa. Bradley akaregedza muromo wake kudai wanike ruoko rwake rwazara ropa apa aive arova serious isingaiti. Akafamba achida kuuya pedyo neni ndikatiza nekune rimwe side ndokubuda panze.
Bradley akatevera panze achingoti "mira titaurirane" ini ndaifunga kuti pamwe anoda kundirova apa mhosva dzacho dzaive dzawanda. Akaita seakumhanya achiuya kwandiri ndikaridza mhere ndichitiza ndichidzika neroad yataienda nayo kutsime. Ndakatanga kufambisa apa chizambiya chasara kumba kunyara kamini skirt kwakambopera ipapo. Bradley akatomboti "dzoka hako ini ndakuenda shaa handidi usare uri ikoko unosangana nemabhinya". Aitopenga hake uyu mabhinya payi ipapa kutsime kwandaingoenda ndega everyday.
Pandakaona aramba akamira ini ndakanomira pane imwe miti yaive yakapfumvutira. Ndakanzwa akufona ndikati pamwe akudaidza Bryan kuti azomutora sezvo panze paive pasina mota. Pasina nguva ngani ndakaona mota yaiwanzofamba naMac ichisvika paaive. Angela akatanga kufamba achiuya kwandaive ndaingonzwa achinzi aperera apo pamiti iyo haana kumbodarika. Ndichakamira ipapo ndakaona Ayanda uyo anenge aitokwidza achienda kuchikoro. Akazviona kuti ndaichema ndokutanga kufamba achiuya pandiri achida kunzwa kuti ndaita sei. Ndakanokora mavhu ndichida kumudira asi akakurumidza kunzvenga. Zvakamubhowa zvisingaiti akatanga kupopota "dai wangondisvibisa nhasi ndaikurova Revai unedzungu risingaiti iwe" apa aifamba achiswedera pandaive. Angela akabva angosvikawo aa mwana uyu tsvee kunoverenga nevamwe atove kuna Mac ummm chaaive akadyiswa chaive chikuru.
Iye anenge akatozviziva kuti tikaenda tese nanaMac tinganotaurirwa zvisina basa nekuti ini ndaingoti chauya ndototaura hezvo ndakazovaratidza period. Angela akasvika achindimbundira ini ndikati ndawedzera kuchema. Zvakatomunetsa kuti machemero aya asi Bradley aitei mwana wevanhu. Kutondibvunza ndingataure akazondinyengerera ndikamuudza zvese zvaive zvaiitika kuti aida kundiruma ,anofamba nepfuti plus paaindivinga after ndamudhuma muromo ndaifunga kuti pamwe aida kundirova kaini saka ndakatomuudza Angela kuti Bradley aida kundirova.
Akandinyaradza Angela akati "Mac auya ariko kumota uko plus ini ndiripo haambokurove tiripo handiti? "Ndakagutsurira musoro iye ndokuvaitira sign yekuti huyai. Vakasvika pataive ummm ndakamboda kuseka zvaive zvaita muromo waBradley chero hembe yake yaive yatove neturopa. Ndakatozogaya yangu yandakavaitira kwaChakonda ndikanzwa kunyara. Mac akangosvikoti "ndeipi nines kurisei".
Ndakangoti makadii ndokutotanga kufamba tichidzokera kumba. Angela akazopinda mukitchen wanei hamusi kuita nemazai aye akatotanga kucleaner. Mac naBradley vakanogara pachibench chaive chakavakirwa paimba yatairara. Ini ndakabva ndapinda muya ndichida kuchinja ndikanzwa shasha dzichitaurirana. Bradley akati "but blaz izvi hazviite izvi all the way from Harare kuvinga mavanga here. Revai anozonyanyawo blaz nezuro akandiruma honai maoko aya". Ndakatombomira kuchinja ndikati hoo mukomana uyu anozvinatsa ko ini waanogara achida kuruma plus nezuro wacho aida kundibata mazamu angu anorwadza iwaya.
Mac akazoti "Bee shamwari tenda mwari munin'ina ini mukoma wako ndotoshuvira kuwana musikana asina chaanoziva sewako uyu. Ndakambodanana neumwe aive form 3 ipapa asi iye zvino akatowanikwa hake. Ini ndaifara ndichiti ndazvibatira chanana changu izvo kwani kaisanganisa madhara ese ane mashop paWadzanai ipapa. Uyuwo Angela ndakangonyeperwawo hanzi ndakabatwa chibharo ndiri mwana mudiki nxaa ungagoti kudii. Kungoti anoratidza kunzwisisa hake but kutaura chokwadi kana ndikazodicider kuroora Angelaka wotoziva kuti ini mukoma wako andichafi ndakambonzwawo chinonzi mhandara."
Ummm ndakati zvakaoma nhaimi vasikana tinenge tichiti tirikufadza vakomana izvo tirikuzvifumura. Take-take yaiitwa naAngela kuna Mac yaitomubhowa iye achiti arikunatsa. Ndakazonzwa Mac oti "mafana ukasiyana naRevai ungarwadzise moyo wangu mukadzi anoda wekuzorangarira masanganiro amakaita uye zvinonakidza kuzozvitaura kana zvairema seizvozvi". Ndakazobuda hangu ndapfeka dress rangu rebrown ndatozvipukuta pukuta ndakuonekerawo. Ndichipinda mukitchen ndakawana Angela akutobika mazai 13 aakawana asara pane akaputsika achiti akanga anzwa Bradley achiti mainini vaimada. Akavigira vana Mac mamwe panze ndokuzoisa mamwe muchilunch.
Pakuenda kumashops pakaita mutsurundundu ini ndisingadi. Akatombouya Bradley mumba achiti "babie hande kani" asi ndakatotanga kuchema. Mac akazouya akati "mainini handei kani hapana zvaanombokuitai". Ini ndainyanya kutya kurohwa kundibata ndaiziva kuti aive akutya. Takazobuda mumba tikapinda mumota. Ini naMac takagara kumashure, Angela akanogara kumberi naBradley aidriver. Angela akaburuka akanopa mainini mazai avo kuti ndibude door rakaramba kuvhurika misodzi ikatanga kuerera apa Bradley aingondicheka neziso nepachiglass chaive pedyo naye mberi ikoko.
Angela achidzoka mota yakarohwa yakananga kumine. Takaburuka tese ndokupinda mudining tikagara ini ndaive ndakangotsikitsira hangu pasi. Pandaive ndakagara paive nebag raAngela remabook ndikaziva kuti abva kumba achiti arikuenda kuchikoro. Bryan akazofonerwa vachida kuziva kuti aive kupi, iye akangoti ndiri around mongozondifonera kana makundida. Angela akadhonza Mac ndokufamba vachinopinda mune imwe imba yaive ine mubhedha wakanaka. Ndakauonazve paakavhura door ndakabva ndaripotsera ziso kkk kusada kusarira. Pavakangovhara door ravo Bradley akabva auya pandaive hanzi "puruzira pandakuvara papore ndiri kurwadziwa". Ndakamuignorer iye achingonyengerera-nyengerera.
Bradley akazonyatsoona kuti ndagadzikana nekuti ndaive ndakutomupindura zvakanaka. Mai vake vakafona vachiti vanguva vabvirira kundifonera but ndaive ndisingabati foni. Foni yaive yasara kumba ko ini zvekufamba nayo ndaimbozvifarira here. Bradley akazondipa foni yake kuti nditaure navo ndakazvishingisa ndikati vangu anovati mama wani. Ndakati makadii mama ii vakafara ende mai vaitaura zvinonakidza ivava vapedza kutaura neni vakati "bye sweet " ndikati masweets aye here musha wese.
Ndakati nechemumoyo ndichabvunza Angela chete nezvazvo. Bradley akaratidza kufara kuti ndaive ndataura namai vake chero kakunditya kaaive ava nako kanoratidza kuti kakabva kapera. Iye aifunga kuti ndichati handichadi. Iye aive akuvara hake asi mhosva yaive yake nekuti ndiye akatanga moti kana dai akandiruma handiti taide taitotaura zvimwe muromo wanosonwa kuchipatara uko. Ndaiti ndikafunga kuti muromo wake wambosvika pane wangu ndainzwa kuti zharara muviri wese.
Foni yaive naBradley ndiyo iya yakambodonha paya pakaona bete but nezvayaive waisatenda yaive yanyatsonaka kuita sekuti haina kumbopwanyika. Akazotanga kundiratidza mafoto evanhu vekumba kwavo apa mai vacho ummm kuita kamusikana aaa waitoti pamwe ndisisi vake. Baba vacho yaiva ino hofori hamburamakaka chaiyo ndivo vaive vakapa vana Mac naBradley mazibody because vakomana vacho vaivepo.
Foni yaive naBradley ndiyo iya yakambodonha paya pakaona bete but nezvayaive waisatenda yaive yanyatsonaka kuita sekuti haina kumbopwanyika. Akazotanga kundiratidza mafoto evanhu vekumba kwavo apa mai vacho ummm kuita kamusikana aaa waitoti pamwe ndisisi vake. Baba vacho yaiva ino hofori hamburamakaka chaiyo ndivo vaive vakapa vana Mac naBradley mazibody because vakomana vacho vaivepo.
Benhilda ndaimuziva hangu ndakazoona kamwe kainzi Macia ummm aka kaive nemoto yoo kaifarira kutorwa kari pana baba kanenge kaiyemawo futi aka. Pandaive ndakatowarairwa ndakabata foni ndakakaruka Bradley andibata zamu rangu yoo ndakascreamer zvakavharira imba yese apa iye aiti "sorry imistake ndandichida kutora foni ndikuratidze gogo vangu". Ndakarwadziwa apa Angela aive atouya anzwa noise.
Ndakasumuka ndakuda kubuda Bradley akamhanya akanovhara door achingoti "sorry babie imistake". Ndakayuwira veduwe apa ndaingoti ndoda kuenda kumba Bradley aive achizonyatsonditsiva. Angela akazoti ndigare pasi aida kupfeka mapush ake andiperekedze asi Bradley....
Adverts Here