Nyaya Yokupfugamira Murume Munoiwonawo Sei?

Ko nhai vanhu, nyaya yokupfugamira murume munoiwonawo sei? Tokumbirawo kunzwa mafungiro evarume vedu. Unoda here kuti mukadzi wako akupfugamire kana kuti haudi. Zvinorevei kwauri kuona mukadzi achipfugama?

Kurudzi rwedu tinopfugamira varume vedu uye murume haadaidzwe nezita rake. Anodaidzwa nemutupo wake kana kuti nezita remhuri. Zvikuru kana mune vana nekuti vana murudzi rwedu vanokura vasingatombozivi mazita evabereki vavo. Ini ndakazoziva zita ramai ndapfuura Grade 5. Ndaingoziva kuti zita ravo ndimai.
Nyaya Yokupfugamira Murume Munoiwonawo Sei?
Mumagariro edu amazuvano zvichiri kuita here kuti tinopfugamira varume vedu kana tiri tega uye kana pane veri kushanya? Zvinoonekwa sei nevanobva kune dzome nyinya. Zvinokudzwa nevanozviona here kana kuti zvinomhurisa? Iyi mibvunzo yatinoda kuzama kupindura as tisati taipindura tiudzeiwo mafungiro enyu mese varume nevakadzi mudzimba. Kana usina murume kana mukadzi tiudzewo kuti kana wazova naye unofunga kuti zvinofanira kuitwa sei.

Ini kazhinji ndinoona sokuti mafungiro emurume wangu akakosha kupfuura angu saka kana akataura zvaanofunga zvikasiyana nezvandinofunga toita zvaanofunga iye. Asiwo iye kazhinji anoda kuti tiite zvandinofunga saka anoramba achibvunza kuti “Ndizvo here?” kana ndikati ndizvo, onyarara. Ndikati handizvo, toramba tichitaura nyaya yacho.

Murume akati fongora, hazvinei kuti ndange ndichifunga maitiro api, kungofongora pasina mubvunzo zvinoitwa zvoitwa tofadzana takadaro, asi pamwe anobvunza kuti unodei. Ndotaura zvandinoda. Iniwo ndikamutangira kubvunza kuti anodei zvaataura ndizvozvo.

Tongai tinzwe vanotonga. Mese varume nevakadzi.

Source -- Masasi eHarare
Adverts Here

avatar
Nyaya DzepaBonde Online
Do You Want To Learn Swedish Massage, Deep Tissue Massage, Nuru Massage, Back Massage ... etc.

We are OPEN: Bookings Can Me Made via WhatsApp 24/7 From Widget. Please Leave Your Message Below:
Nyaya DzepaBonde Team
Chat with WhatsApp